Isaiah 25

Rumbidzo kuna Jehovha

1Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu;
ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu,
nokuti nokutendeka kukuru
makaita zvinhu zvinoshamisa,
zvinhu zvamakaronga kare kare.
2Makaita kuti guta rive dutu ramarara,
guta rakakomberedzwa rikava dongo,
nhare yavatorwa haichazova gutazve;
haichazovakwazve.
3Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai;
maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.
4Manga muri utiziro hwavarombo,
utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake,
uye dumba panguva yemvura zhinji
nomumvuri pakupisa kwezuva.
Nokuti kufema kwavano utsinye
kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
5uye kwakafanana nokupisa kwerenje.
Munonyaradza bope ravatorwa;
sokupisa kunotonhodzwa nomumvuri wegore,
naizvozvo rwiyo rwavane utsinye rwanyaradzwa.
6Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira
vanhu vose mutambo wezvakakora,
namabiko ewaini yakare,
nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka.
7Pamusoro pegomo iri,
achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose,
mucheka unofukidza ndudzi dzose;
8iye achamedza rufu nokusingaperi.
Wamasimba Ose achapisika misodzi
kubva pazviso zvose;
achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake
panyika yose.
Jehovha ataura.
9Pazuva iro vachati,

“Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu;
takavimba naye, iye akatiponesa.
Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye;
ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”

10Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri,
asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake,
samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze.
11Vachatambanudza maoko avo mariri,
somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire.
Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo,
kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo,
12Achakoromora nhare yako yamasvingo
akakwirira agoaputsira pasi;
achaakoromorera pasi,
muguruva chaimo.
Copyright information for SnaBDSC